Nations Bible

2 Chronicles 34

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Josia anovandudza nyika

1Josia aiva namakore masere paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi matatu nerimwe chete. 2Akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha akafamba munzira dzababa vake Dhavhidhi, asingatendeukiri kurudyi kana kuruboshwe.

3Mugore rorusere rokutonga kwake, paakanga achiri mudiki akatanga kutsvaka Mwari wababa vake Dhavhidhi. Mugore regumi namaviri akatanga kunatsa Judha neJerusarema achibvisa nzvimbo dzakakwirira, matanda aAshera, zvifananidzo zvakavezwa nezvakaumbwa. 4Pakurayira kwake aritari dzavanaBhaari dzakaputsirwa pasi; akatema-tema aritari dzezvinonhuhwira dzaiva pamusoro padzo akaparadza matanda aAshera, zvifananidzo nezviumbwa izvi akazviputsa kuita zvidimbu zvidimbu akazviparadzira pamakuva avanhu vaibayira kwazviri. 5Akapisa mapfupa avaprista paaritari dzavo, uye saizvozvo akachenesa Judha neJerusarema. 6Mumaguta aManase, Efuremu neSimeoni kusvikira kuNafutari, nomumatongo akaapoteredza, 7akaputsira pasi aritari namatanda aAshera akaparadza zvifananidzo kusvikira zvaita upfu, akatema-tema kuita zvidimbu zvidimbu aritari dzose dzezvinonhuhwira muIsraeri yose. Ipapo akadzokera kuJerusarema.

8Mugore regumi namasere rokutonga kwaJosia pakuchenesa nyika netemberi, akatuma Shafani mwanakomana waAzaria naMaaseya mutongi weguta, vaina Joa mwanakomana waJohazi munyori, kuti vagadziridze temberi yaJehovha Mwari wake.

9Vakaenda kuna Hirikia muprista mukuru vakamupa mari yakanga yauyiswa mutemberi yaMwari, yakanga yaunganidzwa navaRevhi vaiva vachengeti vamasuo, kubva kuvanhu vaManase, Efuremu navose vakanga vasara veIsraeri uye kubva kuvanhu vose veJudha neBhenjamini navagari vomuJerusarema. 10Ipapo vakaichengetesa varume vakanga vapiwa basa rokuva vatariri vebasa rapatemberi yaJehovha. Varume ava vakaripira vashandi vakagadziridza uye vakavandudza temberi. 11Vakapawo mari kuvavezi navavaki kuti vatenge matombo okuvakisa akavezwa namatanda okubatanidza nokuita mapango edzimba dzakanga dzaregererwa namadzimambo eJudha dzichiparara.

12Varume ava vakaita basa zvakatendeka. Vakanga vari vatungamiri vaiva Jahati naObhadhia, vaRevhi vaiva zvizvarwa zvaMerari, uye Zekaria naMeshurami zvizvarwa zvaKohati. VaRevhi, vose vaigona kuridza zviridzwa, 13vaitungamirira vashandi vari vatariri vavashandi vose pamabasa akasiyana-siyana. Vamwe vaRevhi vaiva vanyori, vatariri navachengeti vamasuo.

Bhuku roMurayiro rakawanikwa

14Pavakanga vachiburitsa mari yakanga yaiswa mutemberi yaJehovha, Hirikia muprista akawana Bhuku roMurayiro waJehovha wakanga wapiwa kubudikidza naMozisi. 15Hirikia akati kuna Shafani munyori, “Ndawana Bhuku roMurayiro mutemberi yaJehovha.” Akaripa kuna Shafani.

16Ipapo Shafani akatora bhuku riya akaenda naro kuna Mambo akati, “Machinda enyu ari kuita zvose zvaakanzi aite. 17Vakapa mari yakanga iri mutemberi yaJehovha vakaiisa mumaoko avatariri navashandi.” 18Ipapo Shafani munyori akati kuna mambo, “Hirikia muprista andipa bhuku.” Uye Shafani akaverenga kubva mariri pamberi pamambo.

19Mambo paakanzwa mashoko omurayiro, akabvarura nguo dzake. 20Akarayira Hirikia, Ahikami mwanakomana waShafani, Abhidhoni mwanakomana waMika, Shafani munyori naAsaya mushandi wamambo kuti, 21“Endai munondibvunzira kuna Jehovha, mubvunzewo vakasara muIsraeri neJudha pamusoro pezvakanyorwa mubhuku iri rawanikwa. Hasha dzaJehovha zhinji kwazvo dzinodururirwa pamusoro pedu nokuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raJehovha; havana kuita sezvakanyorwa mubhuku iri.”

22Hirikia naavo vakatumwa naro namambo vakaenda kundotaura nomuprofitakadzi Huridha, uyo aiva mukadzi waSharumi mwanakomana waTokati mwanakomana waHazira muchengeti wenguo. Aigara muJerusarema, muDunhu reChipiri.

23Akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: Udza murume akutumirai kwandiri kuti, 24‘Zvanzi naJehovha: Ndichauyisa zvakaipa munzvimbo iyi nomuvanhu vayo kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku raverengwa pamberi pamambo weJudha. 25Nokuti vakandisiya vakapisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari vakamutsa hasha dzangu nezvose zvakagadzirwa namaoko avo, hasha dzangu dzichadururirwa panzvimbo ino uye hadzizodzimurwi.’ 26Taurirai mambo weJudha, akutumai kuti muzobvunza kuna Jehovha, kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pamashoko awanzwa: 27Nokuti mwoyo wako wateerera uye wazvininipisa pamberi paMwari pawanzwa zvaakataura pamusoro penzvimbo ino navanhu vayo zvakaipa, uye nokuti wazvininipisa pamberi pangu ukabvarura nguo dzako ukachema pamberi pangu, ndakunzwa ndizvo zvinotaura Jehovha. 28Zvino iwe ndichakuuyisa kuna madzibaba ako, uye uchavigwa murunyararo. Meso ako haachazooni zvakaipa zvose zvandichauyisa panzvimbo ino napane vose vanogara pano.’ ”

Saka vakatora mhinduro yake vakadzoka nayo kuna mambo.

29Ipapo mambo akaunganidza vakuru vose veJudha neJerusarema. 30Akaenda kutemberi yaJehovha navarume veJudha, vanhu veJerusarema, vaprista navaRevhi, vanhu vose kubva kuno mudiki kusvika kuno mukuru. Akaverenga vachinzwa mashoko ose eBhuku reSungano, rakanga rawanikwa mutemberi yaJehovha. 31Mambo akamira pashongwe yavo vakamutsiridza sungano pamberi paJehovha, kuti vatevere Jehovha uye vachengete mirayiro yake, zvaakatema nemitemo yake nomwoyo wake wose nomweya wake wose uye kuti ateerere mashoko esungano akanyorwa mubhuku iri.

32Ipapo akaita kuti munhu wose womuJerusarema neBhenjamini azvipire kwairi; vanhu vomuJerusarema vakaita izvi maererano nesungano yaMwari, Mwari wamadzibaba avo.

33Josia akabvisa zvifananidzo zvose zvinonyangadza munyika yose yavaIsraeri akaita kuti vose vaiva muIsraeri vashumire Jehovha Mwari wavo. Mazuva ake ose, havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wamadzibaba avo.

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

Josiah's Reforms and the Book of the Law

  • Josiah began reigning at eight years old, started seeking God during his eighth year on the throne, and launched a campaign to purge idolatry in his twelfth year. His cleansing extended beyond Judah into the northern territories of Manasseh, Ephraim, Simeon, and Naphtali.Sources: the Bible text itself · Josiah
  • In the eighteenth year of Josiah's reign, while temple repairs were underway using collected funds, the high priest Hilkiah discovered the Book of the Law. The royal scribe Shaphan delivered and read the scroll to the king, leading to Josiah's public renewal of the covenant.Sources: the Bible text itself · Hilkiah · Shaphan
  • Upon hearing the words of the Law, Josiah sent a delegation to consult the prophetess Huldah. She lived in Jerusalem's Second Quarter, a newer residential section of the city enclosed by an expanding outer wall.Sources: the Bible text itself · Second Quarter

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 1, 3, 5, 7, 8, 9, 22, 29, 30, 32
  • Second Quarter · Today: in Jerusalem · 31.777, 35.234 · verse 22

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.