Nations Bible

2 Chronicles 30

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Hezekia anopemberera Pasika

1Hezekia akatuma shoko kuIsraeri yose neJudha yose akanyorera tsamba Efuremu neManase achivakoka kuti vauye kutemberi yaJehovha muJerusarema uye vazopemberera Pasika kuna Jehovha, Mwari weIsraeri. 2Mambo namakurukota ake neungano yose muJerusarema vakasarudza kupemberera Pasika mumwedzi wechipiri. 3Vakanga vasina kukwanisa kutamba mutambo uyu panguva yaunositambwa nokuti vaprista vakanga vazvinatsa vakanga vari vashoma uye vanhu vakanga vasina kuungana muJerusarema. 4Zano iri rakaita serakanaka kuna Mambo nokuungano yose. 5Vakasarudza kutuma shoko kuIsraeri yose kubva Bheerishebha kusvika kuDhani, vachidaidza vanhu kuti vauye kuJerusarema vazopemberera Jehovha Mwari weIsraeri mutambo wePasika. Haina kunge yambopembererwa navanhu vazhinji sezvakanga zvakanyorwa.

6Sokurayira kwamambo, vanhu vakaenda muJudha neIsraeri netsamba dzaibva kuna Mambo nokumakurukota ake dzaiti:

“Vanhu veIsraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri kuti adzokere kwamuri imi masara, imi makapunyuka kubva muruoko rwamadzimambo eAsiria. 7Musaita samadzibaba enyu nehama dzenyu vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, zvokuti akavaita chakatukwa sezvamunoona. 8Musaomesa mitsipa sezvakaita madzibaba enyu. Zviisei pasi paJehovha. Uyai kunzvimbo tsvene yaakatsaura nokusingaperi. Shandirai Jehovha Mwari wenyu, kuti hasha dzake dzinotyisa dzibve kwamuri. 9Kana mukadzokera kuna Jehovha, ipapo hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi nevakavatapa uye vachadzoka kunyika ino, nokuti Jehovha Mwari wenyu ane nyasha netsitsi. Haangavanzi chiso chake kwamuri kana mukadzokazve kwaari.”

10Vakatumwa vakaenda kuguta neguta muEfuremu neManase, kusvikira kuZebhuruni, asi vanhu vakavashora uye vakavaseka. 11Kunyange zvakadaro, vamwe varume veAsheri, Manase neZebhuruni vakazvininipisa vakaenda kuJerusarema. 12Uye muJudha ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pavanhu kuti ruvape kubatana kwepfungwa kuti vaite zvakanga zvarayirwa namambo namachinda ake vachitevera shoko raJehovha.

13Vanhu vazhinji zhinji vakaungana muJerusarema kuti vazopemberera Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso mumwedzi wechipiri. 14Vakabvisa aritari muJerusarema vakaparadza aritari dzezvinonhuhwira vakadzikanda muMupata weKidhironi.

15Vakauraya gwayana rechibayiro chePasika pazuva regumi neina romwedzi wechipiri. Vaprista navaRevhi vakanyara kwazvo vakazvinatsa vakauyisa zvipiriso zvinopiswa kutemberi yaJehovha. 16Ipapo vakatora nzvimbo dzavo sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi munhu waMwari. Vaprista vakasasa ropa ravakapiwa navaRevhi. 17Sezvo vazhinji muungano vakanga vasina kuzvinatsa, vaRevhi vakauraya makwayana ePasika vachiitira vose vakanga vasina kucheneswa uye vasingakwanisi kunatsa makwayana avo kuna Jehovha. 18Kunyange vazhinji, pakati pavanhu ava vakabva kuEfuremu, Manase, Isakari neZebhuruni vakanga vasina kuzvichenesa, vakadya Pasika, zvichipikisana nezvakanga zvakanyorwa. Asi Hezekia akavanyengeterera achiti, “Jehovha, iye akanaka, ngaaregerere hake munhu wose 19anoisa mwoyo wake mukutsvaka Mwari, Jehovha Mwari wamadzibaba ake kunyange zvake asina kucheneswa kana tichitevedza mitemo yapanzvimbo tsvene.” 20Uye Jehovha akanzwa Hezekia akaporesa vanhu.

21VaIsraeri vaiva muJerusarema vakatamba Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso kwamazuva manomwe nokufara kukuru, vaRevhi navaprista vachiimbira Jehovha zuva nezuva, pamwe chete nezviridzwa zvaJehovha zvokurumbidza.

22Hezekia akataura achikurudzira kwazvo vaRevhi vose, avo vakaratidza kunzwisisa kwakanaka kwebasa raJehovha. Kwamazuva manomwe aya vakadya zvokudya zvavakanga vapiwa, vakapa zvipiriso uye vakarumbidza Jehovha Mwari wamadzibaba avo.

23Ipapo ungano yose yakabvumirana kutamba mutambo uyu kwamamwe mazuva manomwe; saka kwamamwe mazuva manomwe vakapemberera vachifara. 24Hezekia mambo weJudha akapa hando chiuru namakwai nembudzi zviuru zvinomwe kuungano uye machinda ake akapa hando chiuru namakwai nembudzi zviuru gumi. Vaprista vazhinji vakazvinatsa. 25Ungano yose yeJudha yakafara kwazvo, pamwe chete navaprista navaRevhi uye vose vakanga vaungana kubva kuIsraeri pamwe chete navatorwa vakanga vabva kuIsraeri naavo vaigara muJudha. 26Kwakava nomufaro mukuru kwazvo muJerusarema, nokuti kubva pamazuva aSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo weIsraeri kwakanga kusina kumboitika zvakaita sezvizvi muJerusarema. 27Vaprista navaRevhi vakamira kuti varopafadze vanhu, Mwari akavanzwa, nokuti munyengetero wavo wakasvika kudenga, nzvimbo yake tsvene yokugara.

Did you know?

Hezekiah’s Passover Celebration

  • Hezekiah and the assembly in Jerusalem postponed the Passover to the second month because an insufficient number of priests had consecrated themselves in time and the people were not yet gathered.Sources: the Bible text itself · Hezekiah
  • The king sent couriers with letters across the land from Beersheba to Dan, inviting survivors of the Assyrian invasions from northern tribes like Ephraim, Manasseh, and Asher to worship together in Jerusalem.Sources: the Bible text itself · Beersheba · Assyria
  • When many northern visitors ate the Passover meal without undergoing the ritual purification required by the Law of Moses, Hezekiah prayed that God would pardon everyone whose heart sincerely sought Him, and the Lord healed the people.Sources: the Bible text itself · Moses

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 1, 2, 3, 5, 11, 13, 14, 21, 26
  • Dan · Today: Tel Dan · 33.249, 35.652 · verse 5
  • Assyria · 36.359, 43.153 · verse 6
  • Kidron · Today: Kidron River · 31.780, 35.240 · verse 14

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.