2 Chronicles 22
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Ahazia Mambo weJudha
1Vanhu veJerusarema vakaita Ahazia, mwanakomana waJehoramu mudiki pane vose, mambo panzvimbo yake, nokuti vapambi vakanga vauya navaArabhu muJudha, vakanga vauraya vamwe vanakomana vake vakuru. Saka Ahazia, mwanakomana waJehoramu mambo weJudha, akatanga kutonga.
2Ahazia aiva namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwegore rimwe chete. Mai vake vainzi Ataria, muzukuru waOmuri.
3Iyewo akafamba munzira dzeimba yaAhabhu nokuti mai vake vaimukurudzira kuita zvakaipa. 4Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakanga zvaitwa neveimba yaAhabhu nokuti baba vake pavakafa, ivo vakatanga kumupa mazano. 5Akateverazve kurayira kwavo paakaenda naJoramu mwanakomana waAhabhu mambo weIsraeri kuhondo vachirwisana naHazaeri mambo weAramu paRamoti Gireadhi. VaAramu vakakuvadza Joramu. 6Saka akadzokera kuJezireeri kuti ambondopora maronda aakanga akuvara paRamoti paairwa naHazaeri mambo weAramu.
Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo weJudha akadzika kuJezireeri kundoona Joramu mwanakomana waAhabhu nokuti akanga akuvara.
7Mukushanya kwaAhazia kuna Joramu, Mwari akauyisa kuparadzwa kwaAhazia. Ahazia paakasvika akaenda naJoramu kundosangana naJehu mwanakomana waNimishi, uyo akanga azodzwa naJehovha kuti aparadze imba yaAhabhu. 8Jehu paakanga ava kutonga imba yaAhabhu akawana machinda eJudha navanakomana vehama dzaAhazia, vakanga vachishandira Ahazia, akavauraya. 9Ipapo akaenda kundotsvaka Ahazia, uye vanhu vake vakamubata paakanga akavanda muSamaria. Akauyiswa kuna Jehu, ndokuurayiwa. Vakamuviga nokuti vakati, “Akanga ari mwanakomana waJehoshafati, aitsvaga Mwari nomwoyo wake wose.” Saka pakasara pasina akanga akasimba muimba yaAhazia zvokuti angagona kubata ushe.
Ataria naJoashi
10Ataria mai vaAhazia pavakaona kuti mwanakomana wavo afa, vakasimuka vakandoparadza mhuri yose youmambo hweimba yaJudha. 11Asi Jehoshebha, mwanasikana waMambo Jehoramu akatora Joashi mwanakomana waAhazia uya akamuba kubva pakati pavanakomana vamambo avo vakanga vava kuda kuurayiwa uye akamuisa iye nomureri wake mumba mokuvata. Nokuti Jehoshebha, mwanasikana wamambo Jehoramu nomukadzi womuprista Jehoyadha, aiva hanzvadzi yaAhazia, akaviga mwana kubva kuna Ataria kuti asamuuraya. 12Akaramba akavanzwa navo patemberi yaMwari kwamakore matanhatu Ataria paaitonga nyika.

Did you know?
The Fall of Ahaziah and Athaliah's Usurpation
- Ahaziah was the son of King Jehoram and Athaliah, a daughter of Ahab and granddaughter of Omri. Guided by his mother's family, Ahaziah adopted the religious practices of the northern kingdom of Israel and allied with King Joram against Aram at Ramoth-gilead.Sources: the Bible text itself · Ahaziah · Athaliah
- When Ahaziah visited the wounded Joram in Jezreel, he was caught in the purge led by Jehu, whom God had anointed against the house of Ahab. Jehu's men executed Ahaziah but granted him a burial out of respect for his grandfather Jehoshaphat, who had sought the Lord.Sources: the Bible text itself · Jehu · Jehoshaphat
- After Ahaziah was killed, Athaliah usurped the throne and attempted to slaughter all the royal heirs of Judah. Her plan was thwarted by Jehoshabeath, Ahaziah's sister and wife of the priest Jehoiada, who hid the infant Joash in the temple for six years.Sources: the Bible text itself · Athaliah · Jehoram
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 1, 2
- Syria · Today: Aram · 33.511, 36.306 · verses 5, 6
- Ramah · Today: Tall er Rumeith · 32.500, 36.015 · verse 6
- Samaria · 32.276, 35.195 · verse 9
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org