Nations Bible

1 Samuel 13

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Samueri anotsiura Sauro

1Sauro akanga ava namakore makumi matatu paakava mambo, uye akatonga Israeri kwamakore makumi mana namaviri.

2Sauro akasarudza varume vaIsraeri zviuru zvitatu; zviuru zviviri zvavo zvaiva naye paMikimashi nomunyika yamakomo yeBheteri, uye chiuru chimwe chete chaiva naJonatani paGibhea muBhenjamini. Vamwe vose akavadzosa kumisha yavo.

3Jonatani akarwisa boka ravarwi vavaFiristia vakanga vari paGebha, vaFiristia vakazvinzwa. Uye Sauro akaridza hwamanda munyika yose akati, “VaHebheru, inzwai!” 4Uye Israeri yose yakanzwa nhau idzi dzokuti, “Sauro arwisa boka ravaFiristia, Israeri yava chinhu chinonyangadza pamberi pavaFiristia.” Zvino vanhu vakadanwa kuti vandobatana pamwe chete naSauro paGirigari.

5VaFiristia vakaungana kuti varwise Israeri, vane zviuru zvitatu zvengoro, nezviuru zvitatu zvavachairi vengoro, navarwi vakawanda sejecha remhenderekedzo dzegungwa. Vakaenda vakandodzika misasa paMikimashi, kumabvazuva kweBhetiavheni. 6Varume veIsraeri vakati vaona kuti zvinhu zvaipa uye kuti hondo yavo yakanga yamanikidzwa zvikuru, vakavanda mumapako nomumatenhere, pakati pamatombo, nomumakomba nomumigodhi yemvura. 7Vamwe vaHebheru vakatoyambuka Jorodhani vakaenda kunyika yeGadhi neGireadhi.

Sauro akasara paGireadhi uye varwi vose vaaiva navo vakadedera nokutya. 8Akamira kwamazuva manomwe, nguva yakanga yatarwa naSamueri; asi Samueri haana kuuya kuGirigari, uye varwi vaSauro vakatanga kupararira. 9Saka akati, “Ndiunzirei chipiriso chinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.” Ipapo Sauro akapa chipiriso chinopiswa. 10Achingopedza kupa chipiriso, Samueri akasvika, Sauro akaenda kundomukwazisa.

11Samueri akati, “Waiteiko?”

Sauro akapindura achiti, “Pandaona kuti varume vava kupararira, uye kuti hamuna kusvika nenguva yakataurwa, uye kuti vaFiristia vava kuungana paMikimashi, 12ndafunga kuti, ‘Zvino vaFiristia vachauya kuzondirwisa paGirigari, uye handisati ndatsvaka nyasha dzaJehovha.’ Naizvozvo ndazvimanikidza kuti ndipe chipiriso chinopiswa.”

13Samueri akati, “Waita zvoupenzi. Hauna kuchengeta murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako; dai wanga wadaro, Jehovha angadai asimbisa umambo hwako pamusoro peIsraeri kwenguva yose. 14Asi iye zvino umambo hwako hahuchagari; Jehovha azvitsvakira munhu anofadza mwoyo wake, akamugadza kuti ave mutungamiri wavanhu vake, nokuti hauna kuchengeta murayiro waJehovha.”

15Uye Samueri akabva paGirigari akakwidza akaenda kuGibhea muBhenjamini, uye Sauro akaverenga varume vaakanga anavo. Vaikarosvika mazana matanhatu.

VaIsraeri vanoshaya zvombo zvokurwa nazvo

16Sauro nomwanakomana wake Jonatani navarume vaakanga anavo, vaigara muGibhea muBhenjamini, asi vaFiristia vakanga vakadzika misasa paMikimashi. 17Vapambi vakabuda mumisasa yavaFiristia vari mumapoka matatu. Rimwe boka rakananga kuOfira munharaunda yeShuari, 18rimwe boka rakananga kuBhetihoroni, uye rechitatu rakananga kumuganhu wakatarisana noMupata weZebhoimi kurutivi rwerenje.

19Zvino kwakanga kusina mupfuri munyika yeIsraeri nokuti vaFiristia vakanga vati, “Zvichida vaHebheru vangagadzira minondo kana mapfumo!” 20Naizvozvo vaIsraeri vose vaidzika kuvaFiristia kuti vandorodzerwa miromo yamagejo, mapiki, matemo namajeko. 21Muripo wokurodzesa miromo yamagejo, namapiki, waiva zvikamu zviviri kubva muzvitatu zveshekeri, uye muripo wokurodzesa forogo namatemo, nezvibayiso zvemombe waiva chikamu chimwe chete kubva muzvitatu cheshekeri.

22Saka pazuva rokurwa hapana murwi waSauro naJonatani aiva nomunondo kana pfumo muruoko rwake; Sauro chete nomwanakomana wake Jonatani ndivo vaiva nazvo.

23Zvino boka ravarwi ravaFiristia rakanga rabuda richienda kumupata weMikimashi.

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

Saul's Impatience and the Philistine Threat

  • The Philistines maintained a monopoly on metalworking to prevent the Israelites from forging weapons. As a result, the Israelites had to travel to Philistine territory and pay fees to sharpen their iron farming tools, leaving only Saul and his son Jonathan equipped with swords or spears.Sources: the Bible text itself
  • When facing an overwhelming Philistine force, Saul waited seven days at Gilgal for Samuel to offer sacrifices. As his fearful soldiers began to scatter, Saul offered the burnt offering himself, prompting Samuel to declare that Saul's royal dynasty would not endure.Sources: the Bible text itself · Gilgal
  • The military confrontation took place across the rugged hill country of Benjamin, with Philistine forces camped at Michmash and Saul's men stationed at Geba. A steep ravine known as the pass of Michmash separated the two opposing armies.Sources: the Bible text itself · Michmash · Geba

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Gilead · Today: Gilead 1 · 32.187, 35.692 · verse 7
  • Jordan · Today: Jordan River · 31.761, 35.558 · verse 7
  • Beth-horon · Today: Beit Ur al Tahta · 31.895, 35.084 · verse 18

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.