1 Kings 16
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
1Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jehu mwanakomana waHanani richipikisana naBhaasha richiti, 2“Ndakakusimudza kubva muguruva ndikakuita mutungamiri wavanhu vangu Israeri, asi wakafamba munzira dzaJerobhoamu ukaita kuti vanhu vangu Israeri vaite chivi, nokuita kuti nditsamwe nokuda kwezvivi zvavo. 3Naizvozvo ndava kuda kuparadza Bhaasha neimba yake, uye ndichaita kuti imba yako ifanane neimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati. 4Imbwa dzichadya vose vaBhaasha vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira kusango.”
5Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaBhaasha, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri? 6Bhaasha akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muTiza. Zvino Era, mwanakomana wake, akamutevera paumambo.
7Pamusoro paizvozvo, shoko raJehovha rakauyawo nokumuprofita Jehu mwanakomana waHanani kuna Bhaasha neimba yake, nokuda kwezvakaipa zvose zvaakanga aita pamberi paJehovha achimutsamwisa nezvaakaita, achifanana neimba yaJerobhoamu, uyewo nokuti akaiparadza.
Era Mambo weIsraeri
8Mugore ramakumi maviri namatanhatu raAsa mambo weJudha, Era, mwanakomana waBhaasha akava mambo weIsraeri, uye akatonga muTiza kwamakore maviri.
9Zimuri, mumwe wamachinda ake, aitungamirira hafu yengoro dzake, akamumukira. Era akanga ari muTiza panguva iyoyo, achidhakwa zvake pamba paAza, murume aichengeta muzinda wamambo paTiza. 10Zimuri akapinda, akamubaya akamuuraya, mugore ramakumi maviri namanomwe raAsa, mambo weJudha. Ipapo akabva amutevera paumambo.
11Paakatanga kutonga, achangogara pachigaro choushe, akauraya mhuri yose yaBhaasha. Haana kusiya murume mumwe chete, hama kana shamwari. 12Saizvozvo Zimuri akaparadza mhuri yose yaBhaasha, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa richipikisa Bhaasha nokumuprofita Jehu, 13nokuda kwezvivi zvose zvakanga zvaitwa naBhaasha nomwanakomana wake Era nezvaakaita kuti Israeri iite, zvokuti vakaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe, nokuda kwezvifananidzo zvavo zvisina maturo.
14Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaEra, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?
Zimuri Mambo weIsraeri
15Mugore ramakumi maviri namanomwe raAsa, mambo weJudha, Zimuri akatonga muTiza kwamazuva manomwe. Varwi vakanga vakadzika misasa pedyo neGibhetoni, guta ravaFiristia. 16VaIsraeri vakanga vari kumisasa pavakanzwa kuti Zimuri akanga amukira mambo akamuuraya, vakagadza Omuri mutungamiri wehondo, kuti ave mambo weIsraeri musi iwoyo mumusasa. 17Zvino Omuri, navaIsraeri vose vaaiva navo, vakabva kuGibhetoni vakauya kuzokomba Tiza. 18Zimuri paakaona kuti guta rakanga ratorwa, akaenda kunhare yomuzinda wamambo akabva azvipisira mumuzinda. Naizvozvo akafa, 19nokuda kwezvivi zvaakanga aita, achiita zvakaipa pamberi paJehovha uye achifamba munzira dzaJerobhoamu nomuchivi chaakanga aita, uye nechivi chaakanga aita kuti Israeri iite.
20Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaZimuri, nokumukira kwake kwaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo aIsraeri?
Omuri Mambo weIsraeri
21Ipapo vanhu veIsraeri vakaparadzana vakaita zvikwata zviviri; hafu ikatevera Tibhini, mwanakomana waGinati, kuti ave mambo, uye imwe hafu ikatevera Omuri. 22Asi vateveri vaOmuri vakakunda vateveri vaTibhini, mwanakomana waGinati. Saka Tibhini akafa, Omuri akava mambo.
23Mugore ramakumi matatu nerimwe raAsa, mambo weJudha, Omuri akava mambo weIsraeri, uye akatonga kwamakore gumi namaviri, matanhatu acho muTiza. 24Akatenga gomo reSamaria kubva kuna Shemeri namatarenda maviri esirivha uye akavaka guta pagomo iri, achiritumidza kuti Samaria, zvichibva pana Shemeri, zita rouyo aimbova muridzi wegomo.
25Asi Omuri akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatadza kupfuura vose vakanga vamutangira. 26Akafamba munzira dzose dzaJerobhoamu mwanakomana waNebhati nomuchivi chake, chaakaita kuti Israeri iite, zvokuti vakaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe nokuda kwezvifananidzo zvavo zvisina maturo.
27Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaOmuri, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri? 28Omuri akazorora namadzibaba ake akavigwa muSamaria. Uye Ahabhu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
Ahabhu anova Mambo weIsraeri
29Mugore ramakumi matatu namasere raAsa, mambo weJudha, Ahabhu, mwanakomana waOmuri, akava mambo weIsraeri, uye akatonga Israeri muSamaria kwamakore makumi maviri namaviri. 30Ahabhu, mwanakomana waOmuri, akaita zvakaipa pamberi paJehovha kupfuura vose vakamutangira. 31Akazviona zviri zvinhu zvidiki kuita zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye pamusoro pezvo akawana Jezebheri mwanasikana waEtibhaari mambo wavaSidhoni, akatanga kushandira Bhaari uye akamunamata. 32Akavakira Bhaari aritari mutemberi yaBhaari yaakavaka muSamaria. 33Ahabhu akagadzirawo danda raAshera akaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe kupfuura zvakaita madzimambo akamutangira.
34Munguva yaAhabhu, Hieri wokuBheteri akavakazve Jeriko. Mwanakomana wake wedangwe, Abhiramu, akafa paakavaka hwaro hweguta, uye mwanakomana wake wegotwe Segubhi akafa paakamisa masuo aro, sezvazvakarehwa neshoko raJehovha naJoshua mwanakomana waNuni.

Did you know?
Dynastic Turmoil and the Rise of Samaria
- The northern kingdom experienced extreme political instability during this era. After Zimri assassinated Elah in Tirzah, he ruled for only seven days before commander Omri besieged the city, prompting Zimri to burn the palace over himself; Omri then had to fight a four-year civil war against a rival claimant, Tibni.Sources: the Bible text itself · Zimri · Omri · Tirzah
- After ruling from Tirzah for six years, King Omri established a new permanent capital. He purchased a prominent, steep-sided hill from an owner named Shemer for two talents of silver, built a fortified royal city on its summit, and named it Samaria.Sources: the Bible text itself · Samaria · Omri
- Omri's son Ahab expanded royal alliances by marrying Jezebel, the daughter of the Sidonian king Ethbaal. Ahab went beyond the religious practices instituted by Jeroboam by establishing state worship for Phoenician deities, erecting a temple and altar to Baal as well as an Asherah pole in Samaria.Sources: the Bible text itself · Ahab
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Samaria · 32.276, 35.195 · verses 24, 28, 29, 32
- Jericho · Today: Tell es Sultan · 31.872, 35.445 · verse 34
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org