Nations Bible

1 Corinthians 4

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Vapostori vaKristu

1Saka naizvozvo, vanhu vanofanira kutiona savaranda vaKristu uye savaya vakaitwa vachengeti vezvakavanzika zvaMwari. 2Zvino zvakafanira kuti vaya vakapiwa utariri vave vakatendeka. 3Chinhu chiduku duku kwandiri kana ndichitongwa nemi kana dare ripi zvaro romunhu; zvirokwazvo handizvitongi pachangu. 4Hana yangu yakachena, asi izvi hazviiti kuti ndive munhu akarurama. Ishe ndiye anonditonga. 5Naizvozvo, regai kutonga chinhu nguva isati yasvika; chimbomirai kusvikira Ishe auya. Achaisa pachena zvakavanzwa murima uye acharatidza mifungo yemwoyo yavanhu. Panguva iyoyo mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari.

6Zvino, hama dzangu, ndakaita zvinhu izvi kuupenyu hwangu uye nokuna Aporosi nokuda kwenyu, kuitira kuti mudzidze kubva kwatiri zvinoreva chirevo chokuti, “Usaita zvinopfuura zvakanyorwa.” Ipapo hamungazvikudzi pamusoro pomumwe munhu muchimuenzanisa nomumwe. 7Nokuti ndianiko akakutsaura iwe kubva kuno mumwe? Chiiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, seiko uchizvikudza sousina kupiwa?

8Matova nezvose zvamunoda kare! Makatopfumiswa kare! Mava madzimambo, uye isu tisipo! Ndinoshuva sei kuti dai makava madzimambo kuitira kuti tigova madzimambo pamwe chete nemi! 9Nokuti ini ndinoona kuti Mwari akatigadza kuti tive vapostori vanoonekwa pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu. Takaitwa chiseko kunyika yose, kuvatumwa uyewo nokuvanhu. 10Tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera kwazvo muna Kristu! Isu tinoshayiwa simba, asi imi mune simba! Munokudzwa, isu tinozvidzwa! 11Kusvikira panguva ino isu tine nzara, uye tine nyota, takapfeka mamvemve, tinorohwa zvakaoma kwazvo, hatina pokugara. 12Tinoshanda nesimba namaoko edu. Kana tikatukwa tinoropafadza; kana tichitambudzwa, tinotsungirira; 13kana tichipomerwa mhosva, tinopindura zvinyoronyoro. Kusvikira panguva ino takaitwa setsvina yenyika, marara enyika.

14Handisi kukunyorerai izvi kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikuyambirei, savana vangu vandinoda. 15Kunyange zvazvo mune vachengeti vanosvika zviuru gumi muna Kristu, hamuna madzibaba mazhinji, nokuti muna Kristu Jesu ndakava baba venyu kubudikidza nevhangeri. 16Naizvozvo ndinokukumbirai zvikuru kuti muve vateveri vangu. 17Nokuda kwechikonzero ichi ndatuma Timoti kwamuri, mwana wangu wandinoda, akatendeka muna She. Achakuyeuchidzai mararamiro angu muna Kristu Jesu, zvinoenderana nezvandinodzidzisa kwose kwose mukereke dzose.

18Vamwe venyu vava kuzvikudza, sokunonzi handisi kuzouya kwamuri. 19Asi ndichauya kwamuri nokukurumidza, kana Ishe achida, uye handizotsvaki chete kuti vanhu ava vanozvikudza vari kutaura sei, asi kutiwo vane simba rakadii. 20Nokuti umambo hwaMwari hahuzi pakutaura bedzi asi pasimba. 21Munodeiko? Ndiuye kwamuri neshamhu here, kana norudo uye nomweya wounyoro?

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

Servants, stewards, and a father's warning

  • Paul applies these things to himself and Apollos so that the Corinthians may learn not to take pride in one man over another. Apollos, a Jew born in Alexandria, eloquent and well versed in the Scriptures, went on to Corinth, where he watered the seed Paul had sown, and his disciples there were much attached to him. A brief account of his life places him with Paul at Ephesus when the first letter to the Corinthians was written.Sources: the Bible text itself · Apollos
  • Paul says the Corinthians already have all they want, have become rich, and have become kings without him and his companions, and he wishes they really were kings so that he and his companions might be kings with them. It seems to him, he writes, that God has displayed the apostles at the end of the procession, like prisoners appointed for death, a spectacle to the whole world, to angels as well as to men, while they go hungry and thirsty, poorly clothed, homeless, and hard at work with their own hands.Sources: the Bible text itself
  • Paul says he has sent Timothy, his beloved and faithful child in the Lord, to remind the Corinthians of his way of life in Christ Jesus, the same teaching he gives everywhere in every church. Timothy, a name meaning honoring God, was a young disciple who traveled with Paul on many of his journeys, and Paul called him his own son in the faith. That account says nothing of Timothy’s father except that he was a Greek, and names his mother as Eunice and his grandmother as Lois.Sources: the Bible text itself · Timotheus

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.